Job 25

Bhiridhadhi

1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2“Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari;
uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga.
3Mauto ake angaverengwa here?
Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?
4Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari?
Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?
5Kunyange dai mwedzi ukasachena,
uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake,
6ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro,
iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”
Copyright information for SnaBDSC